Jeremiya 37
37
Jeremiya anosungwa mutorongo
1Zvino Zedhekia mwanakomana waJosia wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakanga apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhirezari mambo waBhabhironi. 2Asi iye, kunyange varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuterera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
3Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, kunomuporofita Jeremiya, achiti, “Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.” 4Zvino Jeremiya wakanga achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nokuti vakanga vachigere kumusunga mutorongo. 5Hondo yaFarao yakanga yabvawo Ijipiti; zvino vaKaradhea, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
6Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti, 7“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, ‘Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo. 8VaKaradhea vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.’
9“Zvanzi naJehovha, ‘Musazvinyengera henyu,’ muchiti, ‘Zvirokwazvo, vaKaradhea vachabva kwatiri, nokuti havangabvi.’
10“Nokuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake, vakapisa guta rino nomoto.”
11Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao, 12Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake. 13Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, “Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.”
14Jeremiya akati, “Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea.” Asi haana kumuterera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda. 15Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo. 16Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji, 17mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, “Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Ririko.” Akatiwo, “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”
18Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, “Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo? 19Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofiterai, vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?’ 20Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo.”
21Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 37: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002