Zvino Tomasi, ainzi Dhidhimo, mumwe wavane gumi navaviri, akanga asipo, pakuuya kwaJesu.
Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari, “Taona Ishe.” Iye akati kwavari, “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.”
Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.” Tomasi akapindura, akati kwaari, “Ishe wangu, naMwari wangu!”
Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.”
Zvino Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi; asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.