Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 25:32-46

Mateu 25:32-46 SNA2002

namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. “Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’ Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’ Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’ Zvino achavapindura, achiti, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamusakazviitireni.’ Ava vachaenda kunorohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”

Verenga chikamu Mateu 25