Mapisarema 36
36
Kuipa kwoakaipa nokunaka kwaMwari
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.
1Kudarika kwoakaipa kunoreva mumwoyo mangu, kuchiti,
“Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.”
2Nokuti anozvibata kumeso kwake,
Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa.
3Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera;
Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.
4Anofunga zvakaipa panhoo dzake;
Anofamba nenzira isina kunaka;
Haasemi zvakaipa.
5Unyoro hwenyu, Jehovha,
hwakasvika kudenga-denga;
Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;
6Kururama kwenyu kwakafanana
namakomo aMwari;
Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru;
Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.
7Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei!
Vana vavanhu vanondovanda pasi
pomumvuri wamapapiro enyu.
8Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu;
Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu;
9Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu;
Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.
10Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu;
Nokururama kwenyu kuna vamwoyo yakarurama.
11Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege
kusvikira kwandiri,
Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.
12Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa,
Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 36: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002