VaHebheru 3
3
II: JESU MUPRISTI MUKURU ANE TSITSI AKATENDEKA
Jesu mukuru kupinda Mosesi
1Naizvozvo, imi hama varurami, vechikwata chavakadaidzirwa denga, chimbofungai nezvaJesu, mupositori nomupristi mukuru wechitendero chedu. 2Aiva munhu wakatendeka kuna iye wakamusarudza; sokutendekawo kwakanga kwakaita Mosesi mumba maMwari. 3Asi Jesu akakodzera kukudzwa kupinda Mosesi sezvinoitwa muvaki wemba; anokudzwa kupinda imba. 4Nokuti imba ipi neipi ine wakaivaka asi muvaki wezvinhu zvose ndiMwari. 5Zvino Mosesi, somuranda akanga akatendeseka muimba yose yaMwari, achipa uchapupu hwezvinhu zvakanga zvichazotaurwa. 6Asi Kristu, iye mukuru wemba yaMwari akatendeseka somwana. Ndisu iyesu imba yake, chero tikaramba tichingovimba chete, nokudada nechitarisiro chedu.
Tingasvike seiko kunyika yaMwari yezororo
7Naizvozvo sokutaura kwaMweya Mutsvene anoti:
“Nhasi kana monzwa izwi rake,
8musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya,
pazuva riya rokuedzwa murenje,
9madzibaba enyu pavakandiedza,
asi ivo vakaona mabasa angu kwamakore makumi mana.
10Naizvozvo ndakashatiriswa nechizvarwa ichocho;
ndikazoti vanogarokanganisa mumwoyo yavo.
Havasati vamboziva nzira dzangu.
11Sokupika kwandakaita ndakashatirwa,
havachazombopinda muzororo rangu.”
12Chenjerai, hama dzangu, kuti munaani–nani wenyu murege kuva nemwoyo wakaipa usingatendi, ungadaro ukamutsautsa muna Mwari mupenyu. 13Asi kurudziranai mumwe nomumwe mazuva ose kana chete kuchiri kunzi, “Nhasi” kuti kusave nomumwe wenyu anoomeswa mwoyo nounyengedzi hwechivi. 14Nokuti tinogoverana muna Kristu, chero chete tikaramba takabata zvakasimba ruvimbo rwedu rwapakutanga, kusvika pakupedzisira.
15Zvazvinonzi:
“Nhasi kana monzwa izwi rake
musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya.”
16Ndavanani vakazvinzwa asi vakazopanduka, handiti ndivo here vaya vakabva kuIjipiti vachitungamirirwa naMosesi? 17Ndivanani vakamutsamwisa pamakumi mana amakore? Havasi ivo here vaya vakaita zvivi, zvitunha zvavo zvikazoti rakata murenje. 18Ko akapika kuna vanaani kuti havasi kuzombopinda muzororo rake asi kuna ivavo vakanga vasingateereri. 19Naizvozvo tinoona kuti havana kukwanisa kupinda nemhaka yokusadavira.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.