VaHebheru 4
4
1Naizvozvo, chivimbiso chokupinda muzororo rake zvachichiripo kudai, ngatichenjerei, kuti mumwe wenyu angadaro akaonekwa akundikana kupinda muzororo iri. 2Nokuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwatiri sezvarakaitwa kwavari asi Shoko iri harina zvarakabatsira, nokuti harina kusvikowana chitendero muna ivavo vakarinzwa. 3Isu takatenda tinopinda muzororo iroro sokureva kwaakaita achiti,
“Sokupika kwandakaita, ndakashatirwa, ndichiti
havachazombopinda muzororo rangu,”
kunyange zvazvo mabasa ake akapera kubvira pakuvamba kwapasi. 4Paripo pamwe paakataura nezvezuva rechinomwe achiti, “Zvino Mwari akazorora mabasa ake ose pamusi wechinomwe.” 5Pamwechetepo anotizve, “Havachazombopinda muzororo rangu.” 6Naizvozvo pamusana pokuti pane vamwe vachiri kukwanisa kupindamo, pagoti vaya vakaparidzirwa Shoko vasina kupinda nemhaka yokusateerera, 7anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.”
8Nokuti dai Joshuwa akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaura pashure nezverimwe zuvazve. 9Naizvozvo kuna vanhu vaMwari kuchine zororo rokusabata basa, 10nokuti uyo anopinda muzororo raMwari anomira kuita mabasa ake sezvakaitwawo naMwari. 11Naizvozvo, ngativavarirei kupinda muzororo iroro, kuti pasave naanoputsika pamusana pokusateerera kwakaita sokuku.
12Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo. 13Kwaari hakuna chisikwa chakavandika, zvose zvakangoti pachena yacha, zvisina chazvakapfeka, zvichinyatsoonekwa kwaari nemeso ake kuna iyeyo kwatichanozvidavirira zviito zvedu.
Jesu mupristi mukuru
14Naizvozvo, zvatiino mupristi mukuru wakapinda nomumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatichibatisisai chitendero chedu.
15Nokuti hatina mupristi mukuru asingakwanisi kutinzwira tsitsi noutera hwedu. Asi mupristi akamboedzwa nenzira dzakawanda sokuedzwa kwatinoitwa asi haana kumboita chivi. 16Naizvozvo ngatiswederei nechivimbo pedyo nechigaro choumambo chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni tigowanawo nyasha dzinotibatsira nenguva yatinenge toda rubatsiro.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.