1
VaHebheru 4:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaHebheru 4:16
Naizvozvo ngatiswederei nechivimbo pedyo nechigaro choumambo chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni tigowanawo nyasha dzinotibatsira nenguva yatinenge toda rubatsiro.
3
VaHebheru 4:15
Nokuti hatina mupristi mukuru asingakwanisi kutinzwira tsitsi noutera hwedu. Asi mupristi akamboedzwa nenzira dzakawanda sokuedzwa kwatinoitwa asi haana kumboita chivi.
4
VaHebheru 4:13
Kwaari hakuna chisikwa chakavandika, zvose zvakangoti pachena yacha, zvisina chazvakapfeka, zvichinyatsoonekwa kwaari nemeso ake kuna iyeyo kwatichanozvidavirira zviito zvedu.
5
VaHebheru 4:14
Naizvozvo, zvatiino mupristi mukuru wakapinda nomumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatichibatisisai chitendero chedu.
6
VaHebheru 4:11
Naizvozvo, ngativavarirei kupinda muzororo iroro, kuti pasave naanoputsika pamusana pokusateerera kwakaita sokuku.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo