Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 14:32-72

Mariko 14:32-72 SCLBD

Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akadzoka akavawana vatokotsira ndokuti kuna Pita, “Nhai Simoni watokotsira zvako here? Watadza kugarira kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi muviri wakarukutika.” Akasudurukazve, akanamata achitaura mazwi mamwecheteyo. Akadzokazve ndokuvawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru uye vakashaya chokumupindura. Akadzokazve kechitatu akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu nokuzorora nhai? Zvakwana. Nguva yatosvika. Mwanakomana womunhu ava kuzoiswa mumaoko avatadzi. Simukai tiende, houno anondipandukira wava kusvika.” Pakarepo paakanga achiri kutaura, Judhasi mumwe wavane gumi navaviri akabva asvika aine chikwata chavanhu vakanga vaina mapakatwa netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru. Zvino mupanduki uya akanga avapa chiratidzo chokuti, “Wandinotsvoda ndiyeyo, mubatei muende naye makamuchengetesa.” Naizvozvo kuzoti asvika akabva aenda kwaari oti, “Tikukwaziseika Mudzidzisi,” ndokumutsvoda. Vakabva vati Jesu dzvi, kumubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo akati bakatwa rake wee ndokuvaura nzeve yomuranda womupristi mukuru, akamudimura nzeve. Jesu akati kwavari, “Nhaimi inga matouya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuzobata gororo? Zuva nezuva ndainge ndinemi muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata? Regai Magwaro azadzikiswe.” Vose vakabva vamusiya votiza. Mumwe mukomana akamutevera akafuka jira rerineni chete pamuviri wake. Vakamubata, asi akasiya jira riya rerineni otiza asina chaakapfeka. Vakaenda naJesu kumupristi mukuru. Vapristi vakuru vose, navakuru vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vatounganako. Pita akamutevera ari chinhambwe kudzamara paruvanze rwomupristi mukuru. Akagara namapurisa achidziya moto. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwemhosva yavangape Jesu kuti vamuuraye. Asi vakahushaya. Nokuti vazhinji vakamupupurira zvenhema. Uchapupu hwavo hwakatadza kuwirirana. Vamwe vakasimuka vakamurevera nhema vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza Temberi iyi yakavakwa namaoko, ndigovaka, namazuva matatu, imwe isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kuwirirana. Ipapo mupristi mukuru akasimuka pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Hauna mhinduro here panazvose zvavari kukupomera? Ko mhosva dzauri kupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara, haana kumbopindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunza zvakare achiti, “Ndiwe Mesia here, Mwanakomana waNyakurumbidzwa?” Jesu akati, “Hongu ndini; muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari mumakore edenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake akati, “Tichadireizve zvapupu? Manzwa kushonha kwake Mwari. Munotii nazvo?” Vose vakati, “Ane mhosva, anofanira kuti afe.” Vamwe vakatanga kumupfira mate vachimufukidza kumeso, nokumurova nembama vachiti, “Porofita.” Mapurisawo akamugama nembama. Izvozvo Pita akanga ari nechapasi, paruvanze. Mumwe musikana webasa womupristi mukuru akasvikapo. Zvaakaona Pita achidziya moto, akamutarisa akati, “Newewo wanga una Jesu weNazareti.” Asi iye akazviramba achiti, “Handizivi, kana kunzwisisa zvauri kutaura.” Akabvapo akaenda kusuo guru. Zvakare musikana webasa uya zvaakamuona akatangazve kutaurira vakanga vamirepo achiti, “Murume uyu mumwe wavo.” Asi iye akazvirambazve. Kwapera chinguvana chidukuduku vaya vakanga vamirepo vakatizve kuna Pita, “Zvechokwadi uri mumwe wavo iwe nokuti uri wokuGarirea.” Ipapo Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achipika achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamuri kutaura.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza kechipiri. Ipapo Pita akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu zvokuti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akabva atanga kuchema zvinosiririsa.

Verenga chikamu Mariko 14