Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.”
Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.”
Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”
Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.”
Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo. Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
Akaendazve rwechitatu, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; zvaringana, nguva yasvika, tarirai, Mwanakomana womunhu woiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navanyori navakuru vakuru. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakasimba.”
Zvino akati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati, “Rabhi!” Akamutsvoda kwazvo. Ipapo vakaisa maoko kwaari, vakamubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari, “Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here? Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutemberi, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.”
Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.
Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata; asi rakasiya mucheka, rikatiza risina nguo.
Zvino vakaisa Jesu kumupristi mukuru; vapristi vakuru vose navakuru vakuru navanyori vakaunganira kwaari.
Petirosi akanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto. Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana. Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.
Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti,
“Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kupupura kwavo kwakapesana.
Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti, “Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?”
Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?”
Jesu akati, “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.”
Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvapupu?
“Manzwa kushonha kwake Mwari; munofungeiko?” Ipapo vose vakamutongera kuti anofanira kufa.
Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.”
Zvino Petirosi achiri panze paruvazhe, mumwe murandasikana womupristi mukuru akasvika, akaona Petirosi achidziya moto, akamutarira, akati, “Newewo wakanga una Jesu weNazareta!”
Asi iye akaramba, achiti, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.”
Zvino murandasikana akamuona, akatangazve kureva kunavakanga varipo, achiti, “Uyu ndomumwe wavo!” Asi iye akarambazve. Nguva duku yakati yapfuura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newewo uri muGariria.”
Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.”
Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti, “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Zvino akati achifunga izvozvo, akachema.