Mako 14:32-72
Mako 14:32-72 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.” Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika. Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.” Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari. Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Simoni, wavata here? Hauna kugona kurinda kweawa imwe chete here? Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.” Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!” Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru. Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.” Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake. Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata? Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.” Ipapo vose vakamusiya vakatiza. Rimwe jaya, rakanga rakapfeka nguo yakaisvonaka, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata, rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure. Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete. Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto. Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu. Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ” Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?” Asi Jesu akaramba anyerere akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?” Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba achiuya ari pamakore okudenga.” Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu? Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?” Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa. Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova. Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo. Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza. Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.” Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva.” Akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo. Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.” Iye akarambazve izvozvo. Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.” Akatanga kutuka nokupika achiti, “Handizivi munhu uyu wamunotaura nezvake.” Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema.
Mako 14:32-72 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.” Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.” Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.” Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.” Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo. Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura. Akaendazve rwechitatu, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; zvaringana, nguva yasvika, tarirai, Mwanakomana womunhu woiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.” Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navanyori navakuru vakuru. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakasimba.” Zvino akati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati, “Rabhi!” Akamutsvoda kwazvo. Ipapo vakaisa maoko kwaari, vakamubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari, “Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here? Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutemberi, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.” Ipapo vakamusiya vose, vakatiza. Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata; asi rakasiya mucheka, rikatiza risina nguo. Zvino vakaisa Jesu kumupristi mukuru; vapristi vakuru vose navakuru vakuru navanyori vakaunganira kwaari. Petirosi akanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto. Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana. Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana. Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti, “Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kupupura kwavo kwakapesana. Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti, “Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?” Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?” Jesu akati, “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvapupu? “Manzwa kushonha kwake Mwari; munofungeiko?” Ipapo vose vakamutongera kuti anofanira kufa. Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.” Zvino Petirosi achiri panze paruvazhe, mumwe murandasikana womupristi mukuru akasvika, akaona Petirosi achidziya moto, akamutarira, akati, “Newewo wakanga una Jesu weNazareta!” Asi iye akaramba, achiti, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.” Zvino murandasikana akamuona, akatangazve kureva kunavakanga varipo, achiti, “Uyu ndomumwe wavo!” Asi iye akarambazve. Nguva duku yakati yapfuura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newewo uri muGariria.” Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.” Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti, “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Zvino akati achifunga izvozvo, akachema.
Mako 14:32-72 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akadzoka akavawana vatokotsira ndokuti kuna Pita, “Nhai Simoni watokotsira zvako here? Watadza kugarira kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi muviri wakarukutika.” Akasudurukazve, akanamata achitaura mazwi mamwecheteyo. Akadzokazve ndokuvawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru uye vakashaya chokumupindura. Akadzokazve kechitatu akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu nokuzorora nhai? Zvakwana. Nguva yatosvika. Mwanakomana womunhu ava kuzoiswa mumaoko avatadzi. Simukai tiende, houno anondipandukira wava kusvika.” Pakarepo paakanga achiri kutaura, Judhasi mumwe wavane gumi navaviri akabva asvika aine chikwata chavanhu vakanga vaina mapakatwa netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru. Zvino mupanduki uya akanga avapa chiratidzo chokuti, “Wandinotsvoda ndiyeyo, mubatei muende naye makamuchengetesa.” Naizvozvo kuzoti asvika akabva aenda kwaari oti, “Tikukwaziseika Mudzidzisi,” ndokumutsvoda. Vakabva vati Jesu dzvi, kumubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo akati bakatwa rake wee ndokuvaura nzeve yomuranda womupristi mukuru, akamudimura nzeve. Jesu akati kwavari, “Nhaimi inga matouya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuzobata gororo? Zuva nezuva ndainge ndinemi muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata? Regai Magwaro azadzikiswe.” Vose vakabva vamusiya votiza. Mumwe mukomana akamutevera akafuka jira rerineni chete pamuviri wake. Vakamubata, asi akasiya jira riya rerineni otiza asina chaakapfeka. Vakaenda naJesu kumupristi mukuru. Vapristi vakuru vose, navakuru vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vatounganako. Pita akamutevera ari chinhambwe kudzamara paruvanze rwomupristi mukuru. Akagara namapurisa achidziya moto. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwemhosva yavangape Jesu kuti vamuuraye. Asi vakahushaya. Nokuti vazhinji vakamupupurira zvenhema. Uchapupu hwavo hwakatadza kuwirirana. Vamwe vakasimuka vakamurevera nhema vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza Temberi iyi yakavakwa namaoko, ndigovaka, namazuva matatu, imwe isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kuwirirana. Ipapo mupristi mukuru akasimuka pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Hauna mhinduro here panazvose zvavari kukupomera? Ko mhosva dzauri kupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara, haana kumbopindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunza zvakare achiti, “Ndiwe Mesia here, Mwanakomana waNyakurumbidzwa?” Jesu akati, “Hongu ndini; muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari mumakore edenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake akati, “Tichadireizve zvapupu? Manzwa kushonha kwake Mwari. Munotii nazvo?” Vose vakati, “Ane mhosva, anofanira kuti afe.” Vamwe vakatanga kumupfira mate vachimufukidza kumeso, nokumurova nembama vachiti, “Porofita.” Mapurisawo akamugama nembama. Izvozvo Pita akanga ari nechapasi, paruvanze. Mumwe musikana webasa womupristi mukuru akasvikapo. Zvaakaona Pita achidziya moto, akamutarisa akati, “Newewo wanga una Jesu weNazareti.” Asi iye akazviramba achiti, “Handizivi, kana kunzwisisa zvauri kutaura.” Akabvapo akaenda kusuo guru. Zvakare musikana webasa uya zvaakamuona akatangazve kutaurira vakanga vamirepo achiti, “Murume uyu mumwe wavo.” Asi iye akazvirambazve. Kwapera chinguvana chidukuduku vaya vakanga vamirepo vakatizve kuna Pita, “Zvechokwadi uri mumwe wavo iwe nokuti uri wokuGarirea.” Ipapo Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achipika achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamuri kutaura.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza kechipiri. Ipapo Pita akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu zvokuti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akabva atanga kuchema zvinosiririsa.
Mako 14:32-72 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakaȿika panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi ʋake: Garai pano, ini ndicindonyeŋgetera. Akatora Petro naJakobo naJohane, akataŋga kuvunduka kwaɀo nokuɗumbirwa. Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano murinde. Akapfuʋura mberi ɀishoma, akawira pasi, akayeŋgetera kuti, kana ɀicibvira, ŋguʋa ipfuʋure kwaari. Akati: Aba, Ƃaɓa, ɀose ɀinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuɗa kwaŋgu ŋgakurege kuitwa, asi kuɗa kwenyu. Ɀino akaȿika, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Simoni, uʋete here? Wakaŋga usiŋgagoni kurinda ŋguʋa imŋe cete here? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. Akaenda ɀe, akanyeŋgetera acireʋa mashoko iwayo. Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata, nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope kwaɀo; ʋakasaziʋa ɀaʋaŋgamupindura. Akaenda ɀe rwecitatu, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; ɀariŋgana, ŋguʋa yaȿika, tarirai, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo. Pakarepo, acataura, Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji ʋakaɓata minondo netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandinoȿeta ndiye, mumuɓate muende naye makamusuŋga ɀakaɓata. Ɀino wakati aȿika, pakarepo akasweɗera kwaari, akati: Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Ipapo ʋakaisa maʋoko kwaari, ʋakamuɓata. Ɀino mumŋe waʋakaŋga ʋamire’po, wakavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaʋari: Maɓuɗa kuzondiɓata neminondo netȿimbo, sendiri gororo here? Ndakaŋga ndinemi mazuʋa ose, ndicikudzidzisai mutembere, mukarega kundiɓata, asi iɀi ɀaitwa, kuti Magwaro aitike. Ipapo ʋakamusiya ʋose, ʋakatiza. Ɀino rimŋe jaya rakamuteʋera, rakapfeka muceka ɓedzi pamuʋiri, ʋakariɓata; asi rakasiya muceka, rikatiza risineŋguʋo. Ɀino ʋakaisa Jesu kumuprista mukuru; ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru naʋanyori ʋ kaʋuŋganira kwaari. Petro wakaŋga amuteʋera ari kure kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru; akaŋga agere naʋatariri, acidziya mŋoto. Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka capupu pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye, asi haʋana‐kuwana. Nokuti ʋazhinji ʋaimupupurira nhema, asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ʋamŋe ʋakasimuka, ʋakamupupurira nhema, ʋaciti: Takamunzwa isu aciti: Ndicaputsa tembere iyi yakaʋakwa namaʋoko, ndikaʋaka imŋe namazuʋa matatu, isina‐kuʋakwa namaʋoko. Asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ɀino muprista mukuru akasimuka pakati paʋo, akabvunza Jesu, aciti: Haupinduri cinhu here? Cinyi ici caʋanokupomedzera? Asi iye wakaramba anyerere, asiŋgapinduri cinhu. Muprista mukuru akamubvunza ɀe, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mŋanakomana wounokudzwa here? Jesu akati: Ndini Nemi mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga. Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ticatȿakireiko ɀapupu? Manzwa kumhura kwake Mŋari; munofuŋgeiko? Ipapo ʋose ʋakamutoŋgera kuti unofanira kufa. Ʋamŋe ʋakataŋga kumupfira mate, ʋakafukidza meso ake, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋaciti kwaari: Profita; naʋatariri ʋakamuroʋa namaʋoko. Ɀino Petro aciri panze paruʋazhe, mumŋe waʋashandiri ʋomuprista mukuru akaȿika, akaʋona Petro acidziya mŋoto, akamutarira, akati: Newe ʋo wakaŋga unaJesu weNazareta! Asi iye wakaramba, aciti: Handiziʋi kana kunzwisisa ɀaunoreʋa; akaɓuɗa panze kuruʋazhe rwapamberi, joŋgwe rikarira. Ɀino mushandiri akamuʋona, akataŋga ɀe kureʋa kunaʋakaŋga ʋari’po, aciti: Uyu ndomumŋe waʋo! Asi iye wakaramba ɀe. Ŋguʋa ɗuku yakati yapfuʋura, ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ɀe kunaPetro: Ɀirokwaɀo, uri mumŋe waʋo, nokuti newe ʋo uri muGarirea. Ipapo akataŋga kutuka nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu wamunoreʋa. Pakarepo joŋgwe rikarira rwecipiri; ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga kwaari naJesu rokuti: Joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu. Ɀino wakati acifuŋga iɀoɀo, akacema.
Mako 14:32-72 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)