Nziyo 120
120
Rumbo rokukwira narwo kumusoro.
Munamato wokukumbira rubatsiro
1Munhamo yangu ndakachema kuna TENZI
kuti andipindure.
2Ndinunureiwo TENZI
kumiromo inotaura nhema,
kururimi runonyengedza.
3Shamhu yauchapiwa ndeipi,
chimwe chauchaitwa chii,
iwe murevi wenhema?
4Miseve yavarwi yakapinza
namazimbe anopfuta omuti womutsvairo.
5Rushambwawo rwokuti ndinogara muMesheki
ndichigara mumatendhe okuKedhari.
6Ndagarisa pakati pavanhu
vanovenga rugare
chandinoda ini rugare;
7asi ndikati nditaure
ivo vavakutoda zvehondo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 120: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.