Nziyo 121
121
Rumbo rwokukwira narwo kumusoro.
TENZI muchengeti wavanhu
1Ndinosimudzira meso angu kumakomo.
Kunobva rubatsiro rwangu ndokupi?
2Rubatsiro rwangu runobva kuna TENZI
akasika denga napasi.
3Haaregi tsoka yako ichitsvedzemuka
iye anokuchengeta haatsomwaire nehope.
4Onai iye anochengeta Isiraeri
haatsomwaire nehope kana kukotsira.
5TENZI ndiye muchengeti wako
TENZI ndiye mumvuri wako
kurudyi rwako.
6Zuva harikupisi masikati
kana mwedzi nousiku.
7TENZI achakudzivirira kune zvakaipa zvose
achachengeta upenyu hwako.
8TENZI achakuchengeta
kubvira paunobuda kusvika paunodzoka
kubvira zvino nokusingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 121: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.