Tobhiti 2
2
II: KUVA BOFU KWAKAITA TOBHITI
1Naizvozvo panguva yokutonga kwaEsarihadhoni ndakadzokera kumusha kwangu, mudzimai wangu, Ana, nomwana wangu Tobhiya vakadzorerwa kwandiri. Pazuva guru redu rePendekositi, rinonziwo Zuva Guru roKupemberera Mavhiki pakaitwa mabiko. Ini ndainge ndiripowo pamabiko iwayo. 2Pakaunzwa teburu ikaiswa zvokudya zvakawanda. Ndopandakati kumwana wangu Tobhiya, “Mwanangu enda undotsvaka mukati mehama dzedu dzakatapwa dzichiuiswa kuno kuNinivhe, munhu murombo akatendeseka uuye naye ndizodya naye. Ndichamirira kusvikira wadzoka mwanangu.” 3Saizvozvo Tobhiya akabuda kundotsvaka munhu murombo wacho mukati mehama dzedu asi akadzoka akati, “Baba!” Ini ndokuti, “Chiiko mwanangu!”
Iye akati, “Baba! Mumwe worudzi rwedu atourayiwa izvozvi kutaura kuno! Adzipwa akabva asiyiwa akati pasi rapata pamusika! Achiripo izvozvi!”
4Pakarepo ndakabva ndakati kwanyanu kusimuka ndikasiya chokudya changu ndisina kumbochibata. Ndakandotora murume wacho pamusika ndikandomuradzika mune imwe imba mumba mangu ndichimirira kuti zuva ridoke ndigomuviga. 5Ndakadzokera ndokuzvishambidza ndikadya chokudya changu ndakasuruvara 6ndichirangarira mazwi omuprofita Amosi anotaura nezveBhetieri okuti,
“Mazuva enyu makuru achasandurwa
oitwa mazuva okuchema nhamo
nziyo dzenyu dzichizova
nziyowo dzokuungudza.”
7Ndakahwihwidza kuchema. Kuzoti zvino zuva radoka, ndakaenda ndikandochera guva ndikamuviga. 8Vandaigarisana navo vakandiseka vachiti, “Mazvionaka, haachambotya zvake. Rwendo ruya rwaakamboita izvozvi izvi akatotiza. Hezvika, atanga, amukirirazve kuviga zvitunha.” Moyeukaka kuti ndakambenge ndatemerwa mubayiro worufu pamusana paizvozvi izvi.
9Usiku ihwohwo ndakashamba muviri ndokuenda muruvanze ndokurara zvangu munyasi morusvingo rworuvanze, sezvo kwakanga kuchipisa, handina kufukidza uso. 10Handina kunge ndazviziva kuti nechokumusoro kwangu, murusvingo, maiva notushiri. Ndakazodonherwa mumaziso namadororo atwo aipisa, mukatanga kuita zvidoi zvichena zvaifanira kuti zvitonorapwa navanachiremba vokurapa. Asi pavaindiedza mafuta akasiyana–siyana, ndopakatonyanya zvidoi zviya kutondipofomadza. Pokupedzesera ndakatozova bofu chairo. Ndakapedza makore mana ndiri bofu kudaro. Zvakarwadza hama dzangu dzose. Ahikari ndiye aindichengeta paupenyu kwamakore maviri kusvikira aenda kuEramu.#2:10 Zita irori rinogonawo kunzi Erimaida.
Mwoyo wakanaka waTobhiti
11Mudzimai wangu Ana akatanga kuita basa rinoitwa namadzimai. Aikosa wuru achitora machira achiita mapesa. 12Zvaainge akumbirwa kuita navanhu aivaitira ozviendesa kwavari, ozopiwa muripo wacho. Zvino pazuva rechinomwe mumwedzi waKurume akapedza kugadzira chimwe chinhu ndokuenda nacho kuna vanhu vaida kuchitenga. Vakamupa mari yacho yose, mukutaurirana ikoku, vakazomupamhidzira nokumupawo mbudzana yokuti andodyawo zvake.
13Mbudzana iya payakasvika mumba mangu, yakatanga kuchema. Ndakadaidzira kuno mudzimai wangu ndichiti, “Ko kapuka aka kabva nepi? Pamwe ndekokuba izvozvi! Kurumidzai zvenyu kukadzorera kuvaridzi vako. Hatifaniri kudya zvinhu zvokuba.” 14Mudzimai wangu akati, “Kwete kani, chipo ichi chandapuwa pamusoro pomuripo wangu.” Handina kugamuchira zvaaitaura. Ndikamuti akadzorere kuvaridzi vako ndichinyara kwazvo naye. Iye akapindura woti, “Ko zvokupa varombo mavapapi nazvo? Mabasa enyu akanaka akakusvitsai papi? Munhu wose anoziva pazvakakusvitsai.”
Zvasarudzwa nguva ino
Tobhiti 2: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.