Tobhiti 3
3
Munamato waTobhiti
1Mwoyo wangu wakasuruvara, ndakatura befu ndikadonhesa misodzi. Ndopandakatangisa kunamata munamato uyu wokuungudza ndichiti,
2“Imi Tenzi makarurama
zvose zvamunoita zvakarurama
Maitiro enyu ose ndeetsitsi nechokwadi
imi ndimi mutongi wapasi pose.
3“Naizvozvo Tenzi ndirangarireiwo mundicheuke
Regai kundiranga pamusana pezvitadzo zvangu
kana kundirangira zvandakaita mukusaziva
kana kundirangira zvitadzo zvamadzibaba angu.
4“Ndinodaro nokuti isu takakutadzirai
Takatyora mitemo yenyu,
imi mukatipinza mukupambwa
mukatitenhera muutapwa nomurufu
tikave nyaya yokutaura,
tikave chiseko chenyika
tichinzi, ‘Toko waro!’
mukati memarudzi mamakatiparadzira.
5Asi zvamunotema imi zviri pachokwadi
kana muchindiitira zvakakodzerana nokukanganisa kwangu
nokukanganisawo kwamadzibaba angu
nokuti hatina kuchengeta mitemo yenyu
kana kufamba pachokwadi pamberi penyu.
6Zvino chiitai zvenyu zvamunoda neni,
zvikufadzei zvenyu kusvamandiuraya.
Ndingade zvangu kuti muchindibvisa panyika
ndichipinduka ndive ivhu zvakare
nokuti rufu ruri nani kwandiri pano upenyu.
Ndinonyombwa ini pasina chikonzero
kuzvidya mwoyo kwangu kwanyanyisa.
“Tenzi chamunenge matema imi, ndicho chandamirira
mundinunurewo munhamo iyi.
Chiregai zvenyu ndichienda
kumusha wangu wokugara nokugara,
regai kundifuratirawo zvenyu Tenzi
nokuti zviri nani kufa pane kuva mupenyu
ini ndakatarisana nenhamo dzakadai dzisingaperi.
Ndafinhwa ini nokuramba ndichinzwa zvokushorwa.”
III: SARA
7Zvakangoitikawo kuti pazuva rakarero Sara mwanasikana waRagueri aigara muMidhia kuEkibhatana akanzwawo mumwe musikana webasa wababa vake achinyomba. 8Munofanira kuziva kuti akanga atomboroorwa kanotosvika kanomwe, asi aiva nechitsinha,#3:8 kana kuti chizvi chemweya wakaipisisa kwazvo wainzi Asimodheusi wakamuurayira varume vake vachingotevedzana vasati vambopinda mumba naye kuti vagare naye somurume nomukadzi. Musikana webasa iyeyo akamuti, “Eeka! Ndimi iyemi munozviurayira varume. Iye zvino izvi vatosvika vanomwe vamakapiwa, nanhasi hapana wamati maita mhanza naye. 9Zvokufa kwavarume venyu hazvisizvo zvamungationesere nhamo isu. Teveranai navo, zvokuti tinge tichaona kana mwana wenyu zvake, zvitibve.” 10Zuva iroro, Sara akashungurudzwa chaizvo mumwoyo, akapfikura kuchema akakwira mumba mababa vake achida kuzvisungirira. Asi akazozviti, “Zvimwe vanhu vangazotsoropodza baba vangu voti, ‘Waiva nomwanasikana wako mumwechete chete wapamwoyo, zvino azvisungirira pamusana pokuzvidya mwoyo.’ Handifaniri kushungurudza baba vangu mwoyo ivo vakwegura kudai zvingazovasvitsa kunzvimbo yavachakabvu. Zviri nani ndirege zvangu kuzvisungirira, asi kuti ndichikumbira Tenzi kuti andirege ndife zvangu ndirege kurarama, kunyombwa kwakadai uku kurege kuramba kuchisvika munzeve dzangu.”
11Ipapo akanga ari nechepahwindo akatambanudza maoko akanamata achiti,
“Ngaarumbidzwe Mwari wetsitsi.
Zita renyu ngarirumbidzwe narini wose,
zvinhu zvose zvamakasika zvikurumbidzei narini narini.
12“Zvino ini, ndasimudza uso kuringa kwamuri
maziso angu atarira kwamuri,
13chingotii ndichibva zvangu panyika
Zvokuramba ndichinyombwa izvi, zvandifinha.
14“Inga munozvizivawo wani nhai Tenzi
kuti ndakachengetedza umhandara hwangu.
Hapana murume akandikanganisa.
15Handina kuzvifumura zita
kana zita rababa vangu
munyika ino youtapwa.
“Ndini ndoga mwana, wababa vangu.
Havana mumwe mwana mudyi wenhaka.
Havana mukoma kana munun'una wapadyo,
kunyange imwe hama zvayo yasara
wandingati pamusana pake
ndinofanira kuzvibata.
“Ndakatorasikirwa navarume vanomwe
chandichararamira ipapa chii?
Kana musingade kundipfuudza,
ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi.
Zvokuramba ndichishorwa izvi
ini zvandifinha.”
Kutumwa kwomutumwa mukuru Rafaeri kundorapa Tobhiti naSara
16Nguva imwecheteyo, minamato yavo vose vari vaviri yakanzwika pana Mwari wembiri 17ndokubva Rafaeri atumwa kundovarapa vose vari vaviri. Akanzi andobvisa zvidoi zvichena mumaziso aTobhiti kuitira kuti aone nameso chiedza chaMwari, apewo Sara mwanasikana waRagueri kuna Tobhiya mwanakomana waTobhiti kuti ave mukadzi wake uye nokumubvisira mweya wakaipa wechitsinha uya wainzi Asimodheusi nokuti Tobhiya ndiye aiva nemvumo yokuva murume wake kupinda vamwe vose vaimuda. Nguva yakadzoka Tobhiti muruvanze achipinda mumba ndiyo nguva yakareyo yakauyawo Sara mwanasikana waRagueri achiburuka mumba yapamusoro iya.
Zvasarudzwa nguva ino
Tobhiti 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.