Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tobhiti 5

5
V: MUMWE WOKUPEREKEDZANA NATOBHIYA
1Tobhiya akapindura baba vake Tobhiti achiti, “Baba, ndichaita zvose zvamandiudza. 2Zvino ko, mari iya ndichaiwana sei kwaari? Ivo havandizivi ini handivaziviwo. Chii chandingaratidze nacho kuti azondiziva uye kuti anditende agondipa mari yacho? Chimwezve ndechokuti migwagwa yokuenda kuMidhia, handiizivi.”
3Tobhiti akapindurawo mwana wake Tobhiya achiti, “Pauviri hwedu takanyorerana pasi namazita edu pabepa randakadimura napakati zvokuti mumwe nomumwe wedu achengete chidimu chake. Ini ndakatora chidimu chimwechete ndikasiya chimwe chacho nemari iyoyo. Hee, kufunga here chokwadi kuti kwatova namakore makumi maviri atopfuura ndasiya ndavachengetesa mari iyoyo! Zvino mwanangu wochitsvaka munhu anovimbika wokuperekedzana newe, tichamupa mubayiro wenguva yake iyoyo kusvikira wadzoka, wobva waenda kundotora mari iyoyo kuna Gabhaeri.”
4Tobhiya akabuda kundotsvaka munhu anoziva nzira yeko wokumuperekedza kuMidhia. Panze ipapo akawana mutumwa waMwari Rafaeri akanga akamira akamutarisa. Asi haana kumbozvifungira kuti angave mutumwa waMwari. 5Iye akati, “Unobva kupiko shamwari?” Mutumwa uyu ndokuti, “Ndiri mumwe wehama dzako dzechiIsiraeri ndauya kuno kuzotsvaka basa.” Tobhiya akabva abvunza kuti, “Unozivawo here nzira yokuMidhia?” 6Iye ndokuti, “Kwazvo, ndinoiziva. Ndakasvikako kazhinjizhinji. Ndinoziva nzira dzacho dzose nomusoro. Ndakaenda kuMidhia kakawanda ndichigara kwaVaGabhaeri mumwe wehama dzedu anogara muguta reRhagesi kuMidhia. Zvinowanzoita mazuva maviri akakwana kubva kuRhagesi kundosvika kuguta reEkibhatana. Rhagesi riri mumakomo uye, Ekibhatana riri pakati pomuzanda wakasandarika.” 7Tobhiya akabva, ati, “Chindimirirawo shamwari ndimboenda kundotaurira baba vangu. Ndingade kuti uende neni. Ndichakupawo mubayiro wenguva yako iyoyo.” 8Iye akapindura akati, “Zvakanaka ndinokumirira, asi usanonoke.”
9Tobhiya akapinda akataurira baba vake kuti, “Ndawana mumwe wehama dzedu wechiIsiraeri.” Baba vake vakati, “Uya naye muno kuti ndigoziva nezvemhuri yake nedzinza rake. Ndingadewo kuona kuti munhu angave akatendeseka here wokuti ufambe naye mwanangu.” Saizvozvowo 10Tobhiya akabuda akamudaidza akati, “Shamwari, baba vangu vari kukuda umu!” Mutumwa uyu akapinda mumba, Tobhiti akamukwazisa iye ndokupindura achivabvunza mufaro. Tobhiti ndokuti, “Zviripiko nhai, iyeni kufara zvakare? Ndiri bofu. Kuona chiedza chedenga, handichaona. Ndanyatsoti tindindi kunyura murima savafi vasisaone chiedza. Ndinotova zvangu munhu akavigwa ndiri mupenyu. Ndinonzwa zvangu vanhu vachitaura, asi kuvaona handivaoni.” Mutumwa akati, “Nyararai zvenyu, Mwari achakurapai zvinouno. Nyararai zvenyu.” Tobhiti akati, “Mwana wangu Tobhiya anoda kuenda kuMidhia. Ungaendewo here naye uchimutungamirira? Ndinokubhadhara munun'una?” Akapindura achiti, “Ndinoda kuenda naye. Ndinoziva nzira dzacho dzose. Ndakaenda kuMidhia kakawanda; mumapani oko nomumakomo oko ndakadimura nomo, uye ndinoziva nzira dzacho dzose.” 11Tobhiti akati, “Nhai munun'una, uri wemhuri ipiko, uri wedzinza rokwaani? Ndiudzewo munun'una.” 12Mutumwa ndokuti, “Zvedzinza rangu ndozvineiko nhaimi?” Tobhiti akati, “Ndiri kuda kunyatsoziva kuti uri mwana waani uye kuti zita rako ndiani?” 13Mutumwa akati, “Ndinonzi Azariya mwanakomana womukuru mukuru uya, VaAnaniya, mumwe wehama dzenyu.” 14“Hekani waro, wauya! Usagumburwe zvako nokumboda kwangu kuziva zita rokumhuri yokwako. Ndazviona kuti uri hama yangu, uri wechizvarwa chavanhu vakanaka vane chiremera. Anania naJatani, ndinovaziva, vanakomana vomukuru mukuru uya Shemaya. Taienda tose kuJerusaremu tichindonamata tose ikoko uye havana kumborasika gwara rokururama. Hama dzako vanhu chaivo vaya. Unobva mumba kwayo. Hekanhi waro!”
15Vakatiwo, “Ndichakupa mari, dhirakima#5:15 Imari yesirivha inongoti pfuurei zvishomanana magiramu mana kurema (4.3 g). rimwechete pazuva nezvimwe zvokukuraramisa somwana wangu chaiye. Wochiita rwendo irworwu nomwanakomana wangu 16iniwo ndichakupa zvakapfuura mubayiro watawirirana.” Mutumwa akapindura achiti, “Ndichaita rwendo rwacho naye. Regai zvenyu kutya. Pakuenda kwedu ikoko zvose zvichafamba zvakanaka napakudzoka kwedu zvichafambawo zvakanaka munzira macho makanaka.” 17Tobhiti ndokuti, “Mwari ngaakukomborere hama yangu.” Akazotendeukira kuno mwana wake omuti, “Mwanangu chigadzirira zvose zvingadiwe parwendo urwu mupinde munzira nomukoma wako. Mwari ngaakuchengetei mumasango akudzorerei kwandiri muri vatano pasina chakuwanai! Mutumwa wake ngaakuperekedze akuchengete mwanangu!”
Tobhiya akabuda mumba opinda munzira, akatsvoda baba vake naamai vake achivaoneka. Tobhiti akati, “Mufambe zvakanaka!” 18Amai vake vakasvimha misodzi vakati kuna Tobhiti, “Chamunoendeserako mwana wangu chiiko? Haasiriye here ava gumbo redu, ava kutimhanya–mhanyira nezvatinomutuma? 19Chokwadika mari haisiyo ndiyo ine basa chete. Ingabva yakosheswa here chokwadi somwana wedu? 20Inga magariro atakapiwa naMwari anga akatikwanira wani.” 21Vakati, “Regai kufunga pfungwa dzakadaro. Mwana wedu achatoenda akadzoka zvakanaka. Muchaonaka zvenyu musi waachadzoka kuno kumusha kuti zvose zvakamufambira zvakanaka musafunge pfungwa dzakadaro. Regai kuzvinetsa pamusana pavo hanzvadzi. 22Mutumwa akanaka achamuperekedza achave norwendo rwakanaka agodzoka kwatiri zvakanaka achifara.” 23Vadzimai ava vakabva vapukuta zvavo misodzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Tobhiti 5: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda