Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 2

2
Shoko rezvaKristu akarovererwa pamuchinjikwa
1Kunyange ini pandakauya kwamuri hama dzangu, handina kuuya ndichikuparidzai chakavandika chaMwari#2:1 Chakavandika chaMwari: Vamwe vanoti chapupu chaMwari. ndichishandisa mazwi akadzama kana oungwaru hunoshamisa. 2Zvandaiva pakati penyu, hapana chandakada kunzi ndinoziva, kunze kwaJesu Kristu uye iye akarovererwa pamuchinjikwa. 3Pandaiva nemi ndakanga ndisina kusimba ndichitya ndichidedera. 4Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba 5kuti musimboti wechitendero chenyu urege kuva ungwaru hwavanhu asi simba raMwari.
Ungwaru hwaMwari
6Zvakadaro zvazvo, kune vabve zero, tinopa shoko roungwaru. Asi hausi ungwaru hwapanyika pano kana hwavatongi vapasi pano vari pedyo nokupfuura. 7Tinoparidza chakavandika uye ungwaru hwaMwari hwakavandika hwakatemwa naMwari pasi pasati pavapo kuti tizopenyeswa. 8Hapana vatongi vapasi pano vakazviziva nokuti dai vakazviziva vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Tenzi wembiri. 9Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi,
“Mwari zvaakagadzirira vanomuda
hapana ziso rati razviona
kana nzeve yati yazvinzwa
kana munhu ati ambozviisa mupfungwa.
10Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa
nokuna Mweya,
nokuti Mweya anotsvagurudza zvose
kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari.
11Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu
kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari.
Saizvozvowo hapana angazive pfungwa
dzaMwari kusiya Mweya waMwari.
12Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika
asi Mweya anobva kuna Mwari
kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.”
13Hatitauri izvi namazwi atinodzidziswa noungwaru hwavanhu asi atinodzidziswa naMweya tichitsanangura zvinhu zvechokwadi zvomweya kuna avo vana Mweya.#2:13 Kuna avo vana Mweya: Kana kuti kutsanangura zvinhu zvemweya nomutauro womweya. Kana kuti kuenzanisa zvinhu zvomweya nezvemweya. 14Munhu asina Mweya haakwanisi kugamuchira zvipo zvaMweya Mutsvene waMwari nokuti ndezvoupenzi kwaari, uye haagoni kuzvinzwisisa nokuti zvinogona kunzwisiswa nomunhu ana Mweya. 15Munhu anaMweya anogona kunzwisisa zvose sezvazviri asi iye hapana anogona kumunzwisisa zvaari. 16Sokutaura kunoita Magwaro Matsvene anoti,
“Ndiani angazive pfungwa dzaTenzi
zvokuti angamudzidzise?
Asi isu pfungwa dzaKristu tinadzo.”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Vakorinde 2: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda