1
1 Vakorinde 2:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi, “Mwari zvaakagadzirira vanomuda hapana ziso rati razviona kana nzeve yati yazvinzwa kana munhu ati ambozviisa mupfungwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Vakorinde 2:14
Munhu asina Mweya haakwanisi kugamuchira zvipo zvaMweya Mutsvene waMwari nokuti ndezvoupenzi kwaari, uye haagoni kuzvinzwisisa nokuti zvinogona kunzwisiswa nomunhu ana Mweya.
3
1 Vakorinde 2:10
Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa nokuna Mweya, nokuti Mweya anotsvagurudza zvose kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari.
4
1 Vakorinde 2:12
Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika asi Mweya anobva kuna Mwari kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.”
5
1 Vakorinde 2:4-5
Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba kuti musimboti wechitendero chenyu urege kuva ungwaru hwavanhu asi simba raMwari.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo