3 Johani 1
1
Kusuma
1Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi.
2Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. 3Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. 4Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi.
Kurumbidzwa kwaGayusi
5Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi. 6Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari. 7Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro#1:7 Izita iroro: Izita raJesu riri kurehwa. uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati. 8Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi.
Kuzvikudza kwaDhiotirefesi
9Pane zvandakanyora kusangano asi Dhiotirefesi uyo anoda kuzviita mutungamiri, haandioni somutungamiri. 10Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano.
11Mudikanwi, usatevedzere uipi asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka munhu waMwari. Anoita zvakaipa haana kuona Mwari.
Hunhu hwaDhemetiriusi
12Dhemetiriusi munhu anoyemurika kuvanhu vose uye achipupurirwa nechokwadi pachacho. Neniwo ndinomupupurira. Iwe unoziva kuti kupupura kwangu ndekwechokwadi.
Mazwi okuonekana
13Ndanga ndine zvizhinji zvokukunyorera asi handingadi zvangu kukunyorera nepeni neingi. 14Ndinovimba kuti ndichakuona nokukurumidza. Ipapo tichazotaurirana takatarisana uso nouso.
15Rugare ngaruve newe. Muri kukwaziswa neshamwari. Undikwazisirewo shamwari dzose uchidzidoma namazita.
Zvasarudzwa nguva ino
3 Johani 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.