Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 17:15-19

Mavambo 17:15-19 SCLB

Mwari akataurirazve Abhurahamu kuti, “Mudzimai wako Sarai, chirega kunge uchamudaidza nezita rokuti Sarai, zita rake rava kunzi Sara. Ndichakomborera Sara akuberekere mwana mukomana. Ndichakomborera Sara, agova amai vendudzi dzavanhu, maari muchabudawo madzimambo avanhu.” Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?” Abhurahamu akati kuna Mwari, “Madii zvenyu kuchengetera Ishimaeri nhaka iyoyi?” Mwari akati, “Kwete. Sara, mudzimai wako ndiye achakuberekera mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Isaki. Iyeyu nezvizvarwa zvake ndiye wandichaita kuti chitenderano changu newe chienderere mberi nokusingaperi.

Verenga chikamu Mavambo 17