Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 26:36-56

Mateu 26:36-56 SCLB

Jesu akaenda navo kune imwe nzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano ini ndimboenda uko ndimbondonamata.” Akatora Pita navanakomana vaviri vokwaZebhedhi akabva atanga kudumbirwa nokutambura. Akazoti kwavari, “Ini ndadumbirwa zvikuru zvokunge ndichafa. Sarai pano murindire pamwechete neni.” Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.” Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu. Mutengesi uya akanga avapa chiratidzo chokuti uyo wandinenge ndatsvoda ndiyeyo, mubatei. Judhasi akabva auya pana Jesu akati, “Tikukwaziseika, Mudzidzisi,” akabva amutsvoda. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ingoita zvawavinga.” Vakabva vauya vakati Jesu dzvi kumubata. Ipapo mumwe wavakanga vaina naJesu akatambanudza ruoko rwake ndiye bakatwa rake wee ndokuvaura kudimura nzeve yomuranda womupristi mukuru. Jesu akamuti, “Dzosera bakatwa rako panzvimbo paro nokuti vose vanoshandisa bakatwa vanofa nebakatwa. Unofunga here kuti handikwanisi kukumbira Baba vangu, vachinditumira pakarepo zvikwata zvavatumwa zviuru gumi nezviviri. Ko zvino Magwaro Matsvene anozozadzikiswa sei anoti zvinofanira kuti zvive saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuzvikwata zviya zvavanhu, “Nhaimi, mauya kuzondibata segororo, muina mapakatwa netsvimbo? Zuva nezuva ndaigara muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata. Asi izvi zvaitika kuti Magwaro Matsvene avaporofita azadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya votiza.

Verenga chikamu Mateu 26