Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 15

15
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Ndiani angave muenzi waMwari
1TENZI ndiani angagare mutendhe renyu?
Ndiani angagare mugomo renyu rinoera?
2Munogarwa nomunhu ano upenyu huri pachokwadi,
anoita zvakarurama
uye anotaura chokwadi chake chaicho
chinobva mumwoyo;
3munhu asingatauri makuhwa
norurimi rwake;
asingaitiri mumwe wake zvakaipa;
asingatauri zvakaipa zvavamwe.
4Munhu anozvidza munhu akashata;
asi anoremekedza vanoremekedza TENZI,
anochengeta zvaanenge apika kuita
kunyange zvichirwadza.
5Anokweretesa asingati akwereta
ngaaise imwe mari pamusoro payo
kana kutambira chioko muhomwe
chokurwisa munhu asina mhosva.
Munhu anoita zvakadai haatsukunyiki.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 15: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda