Nziyo 16
16
Nhetembo yaDhavhidhi.
Munamato wokuvimba naMwari
1Ndichengetei Mwari nokuti
ndinopotera mamuri.
2Ndinoti kuna TENZI,
“Imi ndimi TENZI wangu.
Kunze kwenyu imi handina chimwe chakanaka.”
3Varurami vari munyika
ndivo vokumbahuru.
Ndinofadzwa kwazvo navo.
4Vanozvisarudzira mumwe mwari,
vanozviwanzira nhamo.
Handisi kuzopira kwavari
miteuro yeropa.
Handifi ndadaidza mazita
avo#16:4 Mazita avo: Vari kurehwa apa mazita avamwari vasirivo. nomuromo wangu.
5TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu.
Nhaka yangu iri mumaoko ake.
6Muganhu wangu waenda napakanaka.
Hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu.
7Ndinorumbidza TENZI anondipa mazano
kunyange usiku, mwoyo wangu unondinyevera.
8Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose;
nokuti ari kurudyi rwangu, handitsuduguki.
9Naizvozvo mwoyo wangu unofara,
mweya wangu unopembera;
kana muviri wangu uchava norugare.
10Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa;
kana kurega mururami wenyu achipinda muguva.
11Munondiratidza nzira youpenyu;
pamuri ndipo pane rufaro ruzere
kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 16: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.