Genesi 33
33
Jakobho anosangana naEsau
1Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Racheri naRea navarandakadzi vaviri. 2Akaisa varandakadzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRacheri naJosefa pakupedzisira. 3Iye pachake akapfuura achivatungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedyo nomukuru wake. 4Ipapo Esau akamhanyira kundosangana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose. 5Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, “Ava vaunavo ndivanani?”
Iye akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.” 6Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama. 7NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRacheri vakaswedera, vakakotama. 8Akati, “Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko?” Iye akati, “Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu.”
9Esau akati, “Ini ndine zvizhinji, munun'una wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako.” 10Jakobho akati, “Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni. 11Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhinji.” Akamugwaririra, akazochitora.
12Akati, “Ngatipfuure hedu parwendo rwedu, tiende, ini ndichakutungamirira.” 13Iye akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa. 14Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.”
15Esau akati, “Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo.” Iye akati, “Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu.” 16Naizvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akaenda Seiri. 17Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Sukoti.
18Jakobho akasvika zvakanaka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhani-aramu; akadzika matende ake pakatarisana neguta. 19Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari. 20Akavakapo atari, akaritumidza zita rinonzi Eri-erohe-Isiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 33: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.