Genesi 34
34
Dhina navanhu veShekemu
1Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, akabuda kundoona vakunda venyika iyoyo. 2Ipapo Shekemu, mwanakomana waHamori, muHivhi, muchinda wenyika, akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadzisa. 3Mweya wake ukakwezverwa kuna Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza mwoyo womusikana. 4Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, “Nditorerei musikana uyo, ave mukadzi wangu.”
5Zvino Jakobho akanzwa kuti akasvibisa Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya. 6Hamori, baba vaShekemu, vakaenda kuna Jakobho kundotaurirana naye. 7Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati paVaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa. 8Zvino Hamori akataurirana navo, akati, “Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai henyu iye, ave mukadzi wake. 9Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugotora vakunda vedu. 10Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo pfuma.”
11Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, “Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai. 12Kumbirai henyu kwandiri roora guru nechipo chikuru; zvamunoreva kwandiri ndichakupai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.”
13Ipapo vana vaJakobho vakapindura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinya hanzvadzi yavo Dhina, 14vakati kwavari, “Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvingatinyadza; 15tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe; 16ipapo isu tichakupai vakunda vedu, nesuwo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive savanhu vamwe. 17Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva.”
18Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori. 19Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira mukunda waJakobho; naiye akanga achikudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.
20Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuwo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati, 21“Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu. 22Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu vamwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingiswe, sezvavakadzingiswa ivo. 23Ko mombe dzavo, nepfuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu.” 24Zvino vose vaibuda pasuwo reguta rake vakateerera Hamori, naShekemu, mwanakomana wake; ipapo varume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuwo reguta rake.
25Zvino pazuva retatu, vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose. 26Vakauraya Hamori naShekemu, mwanakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda. 27Vanakomana vaJakobho vakaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinya hanzvadzi yavo. 28Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango; 29vakatapa pfuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba.
30Ipapo Jakobho akati kuna Simioni naRevhi, “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati paVaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu.”
31Ivo vakati, “Iye agoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?”
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 34: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.