Mabasa 12:5-17
Mabasa 12:5-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari. Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo. Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka shangu dzako,” iye akaita saizvozvo. Akatizve, “Zvimonerere jasi rako unditevere” akabuda kunze achimutevera. Haana kuziva kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zviri zvechokwadi. Aifunga kuti ari kuona chiratidzo. Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo. Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha. Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata. Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani. Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.” Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake. Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo. Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.
Mabasa 12:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari. Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova. Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.” Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo. Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda nepariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira, pakarepo mutumwa akamusiya. Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.” Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, ainziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera. Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku. Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!” Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.” Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa. Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.
Mabasa 12:5-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Petirosi akachengetwa mutorongo; asi akanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kuna Mwari. Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuo. Ipapo tarira, mutumwa waIshe akamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petirosi parutivi, ndokumumutsa, achiti, “Muka, ukurumidze.” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko ake. Mutumwa akati kwaari, “Zvisunge chiuno, usungire shangu dzako.” Akaita saizvozvo. Akati kwaari, “Fuka nguo yako, unditevere.” Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi akati ndinoona chiratidzo. Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo. Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.” Zvino akati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohani, ainzi Mako; vazhinji vakanga vakaunganapo, vachinyengetera. Zvino akati agogodza pagonhi resuo, musikana ainzi Rhoda akauya kuzoteerera. Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suo nomufaro, asi akamhanhyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuo. Ivo vakati kwaari, “Unopenga.” Asi iye akasimbisa achiti, “Ndizvozvo.” Ivo vakati, “Mutumwa wake.” Asi Petirosi akaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuona, vakashamiswa. Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”
Mabasa 12:5-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari. Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo. Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka shangu dzako,” iye akaita saizvozvo. Akatizve, “Zvimonerere jasi rako unditevere” akabuda kunze achimutevera. Haana kuziva kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zviri zvechokwadi. Aifunga kuti ari kuona chiratidzo. Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo. Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha. Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata. Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani. Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.” Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake. Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo. Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.
Mabasa 12:5-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Petro akaceŋgetwa mutoroŋgo; asi wakaŋga acinyeŋgetererwa ɀikuru nekereke kunaMŋari. Ɀino Herode wakati oɗa kumuɓuɗisa, ʋusiku ibgobgo Petro wakaŋga aʋete pakati paʋarwi ʋaʋiri, akasuŋgwa namaketani maʋiri; naʋarindi ʋakaŋga ʋacirinda toroŋgo pamberi pomukoʋa. Ipapo, tarira, mutumŋa waShe akamira’po, ciedza cikapenya mumba; akaroʋa Petro parutiʋi, ndokumumutsa, aciti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamaʋoko ake. Mutumŋa akati kwaari: Ɀisuŋge ciʋuno, usuŋgire shaŋgu dzako. Akaita saiɀoɀo. Akati kwaari: Fuka ŋguʋo yako, unditeʋere. Akaɓuɗa, akamuteʋera, asiŋgaziʋi kuti ɀirokwaɀo ɀinoitwa nomutumŋa; asi wakati ndinoʋona ciratidzo. Ɀino ʋakati ʋapfuʋura murindi wokutaŋga nowecipiri, ʋakaȿika pasuʋo ramatare, paʋaipinda napo paguta; rikaŋgoʋazarukira roga; ʋakaɓuɗa, ʋakapfuʋura neimŋe nzira, mutumŋa ndokubva kwaari pakarepo. Petro wakati apeŋgenuka, akati: Ɀino ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti Ishe wakatuma mutumŋa wake, akandirwira paruʋoko rwaHerode napaɀose ɀakaŋga ɀicifuŋgwa naʋanhu ʋaʋaJuda. Ɀino wakati araŋgarira iɀoɀo, akaenda kumba kwaMaria, mai ʋaJohane, wainzi Marko; ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana’po, ʋacinyeŋgetera. Ɀino wakati agogodza pagonhi resuʋo, musikana wainzi Rode akaʋuya kuzoterera. Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo. Iʋo ʋakati kwaari: Unopeŋga. Asi iye wakasimbisa aciti ndiɀoɀo. Iʋo ʋakati: Mutumŋa wake. Asi Petro wakaramba acigogodza; ʋakazozarura, ʋakamuʋona, ʋakashamiswa. Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe.