Esteri 6:1-2
Esteri 6:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi.
Esteri 6:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usiku ihwohwo, mambo haana kumborara. Akati vanhu vamuvigire bhuku rokuyeuchidza nyaya dzakamboitika reNhoroondo, dzikaverengwa pana mambo ipapo. Makawanika makanyorwa zvokunyevera kwakaita Modhekai nezvaBhigitana naTereshi, vayuniki vaviri vokwamambo vaya vakanga vari vokugaririra kusuo guru vakanga vafunga zvokuuraya mambo Ahasuerusi.
Esteri 6:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko amakoronike, akaravirwa mambo. Vakawana kuti pakanyorwa kuti Modhekai akadeya kuzivisa mashoko aBhigitana naTereshi, varanda vaviri vamambo pakati pavarindi vomukova, vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
Esteri 6:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋusiku ubgo mambo wakashaiwa hope, akaraira kuti ʋaʋuye nebuku yamashoko amakoronike, akaraʋirwa mambo. Ʋakawana kuti pakanyorwa kuti Mordekai wakaɗeya kuziʋisa mashoko aBigtana naTereshi, ʋaranda ʋaʋiri ʋamambo pakati paʋarindi ʋomukoʋa, ʋakatȿaka kuʋuraya mambo Ahashveroshi.
Esteri 6:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)