Genesisi 39:20-21
Genesisi 39:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo. Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.
Genesisi 39:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tenzi waJosefa akamutora akamuisa mutorongo, nzvimbo yaichengeterwa vasungwa vamambo; saka akava mutorongo. Jehovha akava naJosefa; akamunzwira tsitsi akamuitira nyasha pamberi pomutariri womutorongo.
Genesisi 39:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo. Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka.
Genesisi 39:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutoroŋgo, paisuŋgwa ʋasuŋgwa ʋamambo; akaʋa mutoroŋgo. Asi Jehova wakaʋa naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ŋgoni nomutariri wetoroŋgo.
Genesisi 39:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)