Zvakazarurwa 6:14-15
Zvakazarurwa 6:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Denga rakabva sebhuku rinopetwa, uye makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Ipapo madzimambo enyika, machinda, vatungamiri, vapfumi, vane simba, navaranda vose uye navanhu vakasununguka vakavanda mumapako napakati pamabwe amakomo.
Zvakazarurwa 6:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Denga rikabva sebhuku, kana richipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navapfumi, navane simba, navaranda vose, navakasununguka vose, vakandovanda mumapako nomumabwe amakomo
Zvakazarurwa 6:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Denga rakanyangarika sebhuku rokumunonora ramoneredzwa. Makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Ipapo madzimambo apanyika navakuru vakuru vavanhu navakuru vakuru vehondo navapfumi navakasimba navavo vose vanoti nhapwa navasununguki vakavanda mumapako napasi pamabwe mumakomo.
Zvakazarurwa 6:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƌeŋga rikabva sebuku, kana icipetwa; namakomo ose neɀiwi ɀose ɀakabviswa panɀimbo dzaɀo. Namadzimambo enyika, naʋakuru, naʋatuŋgamiriri ʋehondo, naʋafumi, naʋanesimba, naʋaranda ʋose, naʋakasunuŋguka ʋose, ʋakandoʋanda mumapako nomumabge amakomo
Zvakazarurwa 6:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)