Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Kukunda Pamusoro Pehurwere
Shoko raMwari rinotiudza kuti nemavanga aJesu takaporeswa. Jesu paakafa akamuka zvekare, akakunda zvivi, rufu uye nezvirwere zvose nokusingaperi. Zvinoshamisa kuti, kuburikidza naye, nesiwo tine mugove mukukunda uku! Asi kukunda zvirwere zvinoreva kuti chii kwatiri sezvo tichiri kugara munyika yakarasika?
Mutestamende idzva rose, tinoona mabasa ekuporesa anoshamisa akaitwa naJesu pamwechete nevadzidzi vake kuburikidza nesimba rimuzita rake. Mukuverenga hupupuri hwekuporesa, chinhu chirinyore kufunga kuti Mwari achapindura minamato yedu yekuda kuporeswa nenzira yatinenge takatarisira isusu: kusanzwa kurwadziwa ipapo-ipapo, kuporeswa kwechirwere chisingarapiki, kana kukunda kwakakwana pamusoro pekutya. Saka tinoita sei kana zvacho zvatakatarisira zviaingaitike? Tinofanira kuchenjera kuti tisaise muganhu wekuti kupora kunouya nenzira ipi nekuda kwemafungiro edu.
Mupositori Pauro anotiudza muna vaRoma 8:28 kuti Mwari anoita kuti zvinhu zvese zviitire zvakanaka kune avo vanomuda. Izvi hazvirevi kuti zvese zvinoitika zvichange zvakanaka - Kukunda rufu nezvivi kwaJesu hakuna kubvisa kuyedzwa nenguva dzakaoma muhupenyu hwedu hwepano panyika. Muchokwadi, muna Johane 16:33, Jesu anovimbisa kuti munyika ticha tambudzika, uye kurwara ndeimwe nzira yekutambudzika kwatinosangana nako. Kunyange Mwari achipindira dzimwe nguva neminana, hatina kuvimbiswa kupora kwakakwana tichiri panyika. Asi tinokwanisa kuva nechokwadi nekukunda kusingaperi kwatakawana kuburikidza nekuponeswa kwedu. Tichagara muhuvepo hwaMwari nekusingaperi, nemufaro wakazara, uye tisina kana kurwara, zvivi, kufa, kurwadziwa, pamwe nekufunganya.
Usaore moyo nekuda kwemunamato usina kupindurwa kana maitikiro ezvinhu awanga usina kutarisira. Mwari anonzwa munyengetero wako, uye mune zvese, arikuita kuti zvikuitire zvakanaka pamwechete nekusimudzirwa kwezita rake. Sezvo tichienderera mberi nenguva ino yePasika, kumbira Mwari akupe maziso anoona zvinoonekwa naye. Patinochengetedza chokwadi chekuti denga ririko, tinonamata tisingatyi uye tionofamba muhushingi zvisinei nekuti tinosangana nekutambudzika kwakaita sei, tichiziva kuti munezvese, tiri vakundi.
Chengetedza mufananidzo wanhasi here.
Zvinechekuita neHurongwa uhu

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasarudza kugoverana kukunda uku nesu. Vhiki iri re Easter, ngatitarise dzimwe nhare dzaAkakunda, tiongorore kurwa kwaakatirwira, nokumurumbidza seMureza wedu Wekukunda.
More