Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Bhaibheri ripenyuChikamu

كلمة الله حية

ZUVA 5 REMAZUVA 7

Bhaibheri rinokunda rima

Sumu aisada chii zvacho chine chekuita nechiKristu. Asi muna 2017, shamwari yaSumu yepedyo yakagovera nhorondo yekuponeswa kwayakaitwa kuchechi yake iri kuNew Zealand. Sumu akaenda kundomutsigira… uye akaramba achidzokerako. Akapa upenyu hwake kuna Jesu gore iroro, asati atama kuenda ku India. 

Kufamba semutendi mutsva ari munyika itsva pasina mhuri yevatendi kwainetesa, uye Sumu akaora moyo nekufamba kwenguva zvekuti ainetsekana kumuka zuva nezuva. 

“Ndanga ndakasurukirwa zvikuru zvekuti ndainetsekana kuwirirana nevamwe vanhu. Ndakarasikirwa nesimba rekuzvitonga uye rusununguko rwandaiva narwo pandakaenda ku India, uye ndakatanga kuita pfungwa zhinji dzisina kunaka. Pandakazotanga kuverenga magwaro muYouversion ndipo pandakazogona kushandura mafungiro angu.” 

YouVersion yakapa Sumu nzira yekuramba akabatana nemamwe maKristu uye achidzidza kubva kwavari kuburikidza nema Bible Plans. Uye kubva 2018, akapedza ma plan anodarika mazana mana ane makumi maviri nesere . 

Pose Sumu paanoita mubvunzo, anovhura YouVersion app otsvaga ma Plans anoenderana nemubvunzo wake. Nekuwanda kunenge kuchiita ma Plans aapedza, kutenda kwake kunokurawo. 

“Dzimwe nguva ndinoita ma Plans gumi neimwe kuti ndiwane kuzviisa muchokwadi. Mukana wekudzidza kubva kune vamwe vakambosangana nezvandiri kusangana nazvo ndichiwana kurudziro kubva kwavari. Ndirikudzidza kuti mumatambudziko angu handisi ndega kwete. Ndinokwanisa kudzidza kubva kune vanhu vakamboora moyo vakazokunda, uye zvandibatsira kuziva kuti maKristu anokwanisa kunetsekanawo mupfungwa.” 

Ikozvino, Sumu paanonzwa kusuruvara, kuora moyo, kana kusurukirwa, anokwanisa kubatirira pane zvose zvakavimbiswa naMwari mushoko achinanganisa mafungiro ake nezvinotaurwa naJesu pamusoro pehupenyu hwake. 

“Dzimwe nguva kana wakasuruvara, unongoda shoko raMwari. App iyi yaiva muganhu wandakatora wakandibatsira kunzwisisa bhaibheri uye kutenda kwangu. Makombiyuta anokwanisa kushanda kutibatsira pakutenda kwedu. Handifunge kuti ndingadai ndichipo dai ndisina kuwana nzira yekubatana nevamwe kuburikidza naJesu nokuti yanga iri nguva yakaoma uye iye Jesu ndiye akava chiedza changu kunyangwe nanhasi.”  

Nekuda kwesimba reshoko raMwari, kuparadzana nevamwe kunogona kushandurwa kuva mukana wekubatana naJesu, uye tariro inokwanisa kuwanika panguva yakaoma.

Funga nezvenyaya yaSumu kwechinguvana, wotora nguva yekutaura naMwari nezvepauri ikozvino muupenyu . Uchidaro, Kumbira Mwari kuti vakuzarurire kuti chokwadi ndechipi, wobva watarisa mumagwaro uchitsvaga mashoko anopa tarisiro nekurudziro . Tendera chiedza chake kuti chikunde rima rese ringange riri muupenyu hwako.

Zuva 4Zuva 6

Zvinechekuita neHurongwa uhu

كلمة الله حية

Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza nekutarisisa kuti Mwari varikushandisa bhaibheri sei kushandura upenyu hwevanhu pasi rose.

More

Plan iyi yakagadzirwa uye inobva kuYouversion.