Bhaibheri ripenyuChikamu
Bhaibheri ririkushandura zvinhu zvose
Funga nezvekutanga kwapas, i paine rima, pasina chinhu chakasikwa, dakara Mwari vataura mashoko aya, “Ngapave nechiedza.” Ipapo ipapo, zvose zvinobva zvashanduka. Chiedza chinokurira rima, uye zvose zvaisaoneka zvobva zvavakuoneka pachena. Izwi rimwe rabva kuna Mwari rashandura zvinhu zvose … asi hazvina kugumira ipapo.
Mwari iyeyu akasika zvinhu zvose nebefu rimwe chete arikuramba achifemera upenyu utsva pasi rose nesimba reShoko rake. Shoko raMwari ririkuramba richikurira rima nanhasi. Shoko raMwari rinoshandura upenyu hwevanhu nekuporesa vanorwadziwa mumwoyo. Shoko raMwari ripenyu uye rinesimba nekuti Iye Mwari mupenyu uye ane simba. Uye isu tinemukana wekuziva Shoko rake nguva dzose.
Patinoramba tichiverenga bhaibheri, tichaona kuti Mwari anoda kuti vanhu vari pasi rose vave neukama naye pachavo, hukama hunesimba uye hunovadzosera kuna Mwari.
Kunyangwe tikasangana nemhingamupini dzipi zvadzo, Shoko raMwari richaramba richikunda rima. Shoko rake richaramba richishandura upenyu sehwavana Ghana, Sumu, vanhu vekuPopoluca, Samuel Ajayi Crowther, na William Tyndale. Uye mashoko ake Mwari ane simba rekushandura kunyangwe iwe.
Nokudaro, mira ufunge nezve upenyu hwako iwe. Shoko raMwari rakushandura sei? Uye ndedzipi nzira dzekuti Mwari angange achiita kuti shoko rive ripenyu muupenyu hwako ikozvino?
Pemberera zvawaitirwa naMwari kusvika nhasi, ufunge pamusoro pezvaari kuita munzvimbo yakakukomberedza.
Uchienda mberi, sarudza kuva mushandi parungano rwurikutaurwa naMwari. Rungano rwakatanga paakasika nyika, uye rwurikuenderera mberi dakara Jesu adzoka—uru rungano rwukuru kupfuura zvose zvakaitika makare kare uye rwuri kuramba rwuchishandura pasi rose.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza nekutarisisa kuti Mwari varikushandisa bhaibheri sei kushandura upenyu hwevanhu pasi rose.
More