1
Genesi 25:23
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwaari: Munendudzi mbiri muciɀaro cako, Ndudzi mbiri dzicaparadzana, dzicibva muɗumbu rako; Rumŋe rudzi rucakunda rumŋe rudzi nesimba; Mukuru ucashumira muɗuku.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Genesi 25:30
Esau akati kunaJakobo: Ƌondipa ʋo iɀo ɀakatȿuka ndidye, nokuti ndaziya; saka wakatumidzwa zita rinonzi Edomi.
3
Genesi 25:21
Ɀino Isaka wakanyeŋgeterera mukadzi wake kunaJehova, nokuti wakaŋga asiŋgaɓereki; Jehova akanzwa kunyeŋgetera kwake, Rebeka, mukadzi wake, akaʋa nemimba.
4
Genesi 25:32-33
Esau akati: Tarira, ndofa haŋgu, ʋuɗaŋgwe ʋucandiɓatsireiko? Jakobo akati: Cimbondipikira; akamupikira, akateŋgesera Jakobo ʋuɗaŋgwe bgake.
5
Genesi 25:26
Pashure munuŋuna wake akaɓuɗa, ruʋoko rwake rwakaɓata citsitsinho caEsau, ʋakatumidza zita rake Jakobo; Isaka wakaŋga anamakore makumi matanhatu pakuɓerekwa kwaʋo.
6
Genesi 25:28
Isaka akaɗa Esau, nokuti waiɗa nyama yemhuka, asi Rebeka wakaŋga aciɗa Jakobo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo