1
Joere 2:12
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — naɀino tendeʋukirai kwandiri nemŋoyo yenyu yose, muciɀinyima ɀokudya, mucicema nokuwuŋgudza
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Joere 2:28
Ɀino shure kwaiɀoɀo ndicaɗurura Mŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita, ʋatana ʋenyu ʋacarota hope, namajaya enyu acaʋona ɀiratidzo
3
Joere 2:13
bvarurai mŋoyo yenyu, murege kubvarura ŋguʋo dzenyu, mutendeʋukire kunaJehova Mŋari wenyu; nokuti uneŋgoni nenyasha, unononoka kutsamŋa, unetsitsi zhinji, ʋuye unoɀiɗemba pakuitira ʋanhu ɀakaipa.
4
Joere 2:32
Ɀino aninani unoɗana zita raJehova ucarwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusarema ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, seɀakataura Jehova, napakati paʋakasara ndi’po pacaʋa ʋakaɗanwa naJehova.
5
Joere 2:31
Zuʋa ricashanduka rima, mŋedzi ucashanduka ropa, zuʋa guru raJehova rinotyisa risati raȿika.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo