1
Ruka 3:21-22
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋose ʋakati ʋabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa ʋo, acinyeŋgetera, ɗeŋga rikazarurwa, Mŋeya Mutȿene akaɓurukira pamsoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiʋa, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, unoɗikanwa; ndinokufarira.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ruka 3:16
Johane akapindura, akati kunaʋose: Ini ndinokubapatidzai nemvura, asi uyu unoʋuya, unesimba kupfuʋureni, wandisina‐kufanira kusunuŋgura rukanda rweshaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto.
3
Ruka 3:8
Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka; musataŋga kureʋa mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri: Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa.
4
Ruka 3:9
Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ciɓereko cakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.
5
Ruka 3:4-6
seɀaɀakanyorwa mubuku yamashoko aIsaya muprofita, ɀicinzi: Inzwi rounoɗana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake. Mipata yose icafusirwa, Makomo ose neɀikomo ɀose ɀicaɗeredzwa; Ɀakakombama ɀicaruramiswa, Pasakaenzana pacaitwa nzira dzakaenzaniswa; Nyama yose icaʋona ruponeso rwaMŋari.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo