1
1 VaKorinde 15:58
Shona Bible 1949, revised 2002
Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mushandire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata basa kwenyu hakungavi pasina muna Ishe.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 VaKorinde 15:57
Zvino Mwari ngaavongwe, uyo anotipa kukunda naIshe wedu, Jesu Kristu.
3
1 VaKorinde 15:33
Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.
4
1 VaKorinde 15:10
Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
5
1 VaKorinde 15:55-56
“Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?” Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murayiro.
6
1 VaKorinde 15:51-52
Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika, Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa
7
1 VaKorinde 15:21-22
Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.
8
1 VaKorinde 15:53
nokuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusafa.
9
1 VaKorinde 15:25-26
Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo