1
2 VaTesaronika 2:3
Shona Bible 1949, revised 2002
ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 VaTesaronika 2:13
Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwi vaIshe, nokuti Mwari akakutsanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muutsvene hwoMweya nokutenda chokwadi.
3
2 VaTesaronika 2:4
iye, anorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti anogara muTemberi yaMwari, achizviita Mwari.
4
2 VaTesaronika 2:16-17
Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari Baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka, ngavavaraidze mwoyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.
5
2 VaTesaronika 2:11
Saka Mwari anovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema
6
2 VaTesaronika 2:9-10
kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.
7
2 VaTesaronika 2:7
Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobata basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye anodzivisa zvino achibviswa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo