1
Isaya 11:2-3
Shona Bible 1949, revised 2002
Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 11:1
Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.
3
Isaya 11:4
asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake.
4
Isaya 11:5
Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidza zvake.
5
Isaya 11:9
Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
6
Isaya 11:6
Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira.
7
Isaya 11:10
Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo