1
Zvirevo 15:1
Shona Bible 1949, revised 2002
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 15:33
Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
3
Zvirevo 15:4
Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya.
4
Zvirevo 15:22
Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.
5
Zvirevo 15:13
Mwoyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomwoyo une shungu.
6
Zvirevo 15:3
Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka.
7
Zvirevo 15:16
Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nepfuma yakawanda, achinyunyuta.
8
Zvirevo 15:18
Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomwoyo murefu anonyaradza gakava.
9
Zvirevo 15:28
Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo