1
Ruka 6:38
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ruka 6:45
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make.
3
Ruka 6:35
Asi imi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka, mukweretese musingatarisire kuti muchadzorerwa, ipapo mubayiro wenyu uchazova mukuru uye muchazova vana voWokumusorosoro nokuti iye ano mwoyochena kuna vasingatendi nokuna vakaipa.
4
Ruka 6:36
Ivai netsitsi saBaba venyu vane tsitsi.
5
Ruka 6:37
“Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo.
6
Ruka 6:27-28
“Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai. Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai.
7
Ruka 6:31
Zvamunoda kuti vamwe vakuitirei vaitireiwo saizvozvo.
8
Ruka 6:29-30
Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako. Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete.
9
Ruka 6:43
“Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
10
Ruka 6:44
Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havatanhi maonde paminzwa kana magirepisi parukato.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo