1
1 Timoti 6:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Timoti 6:10
nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru.
3
1 Timoti 6:6
Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo
4
1 Timoti 6:7
nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika
5
1 Timoti 6:17
Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza.
6
1 Timoti 6:9
Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa
7
1 Timoti 6:18-19
Vanofanira kuita zvakanaka vavevo vapfumi mumabasa akanaka vanopa vachida vavewo vanamupanegombe vasingapi vachikonyodza. Saizvozvo vachazvivakira ugaro hwakanaka hweramangwana ravo vachizozviwanira upenyu ihwohwo hwezvirokwazvo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo