1
Vatongi 7:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Tenzi akataurira Gidheoni achiti, “Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiani mumaoko enyu nokuti vaIsiraeri vangazozvizuwidza vachiti, ‘Takazvinunura nesimba redu isu pachedu.’
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Vatongi 7:7
Tenzi akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vaita zvokukasva mvura, ndichakununurai, ndigoisa vaMidhiani mumaoko enyu. Rega vamwe vose vaende mumwe nomumwe kumusha kwake.”
3
Vatongi 7:3
Naizvozvo chiudza vanhu vachizvinzwira nenzeve dzavo uchiti, ‘Anenge achidedera nokutya, ngaadzokere zvake kumusha.’ ” Gidheoni akavaedza; varume vaisvika makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri vakadzokera, kukasara zviuru gumi zvavarume.
4
Vatongi 7:4
Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.”
5
Vatongi 7:5-6
Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.” Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo