1
Zvakaratidzwa 3:20
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 3:15-16
“Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu.
3
Zvakaratidzwa 3:19
Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke.
4
Zvakaratidzwa 3:8
Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu.
5
Zvakaratidzwa 3:21
Anokunda ndichamuti agare neni pachigaro changu choumambo sokukundawo kwandakaita ini pachangu ndikagarawo naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.
6
Zvakaratidzwa 3:17
Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka.
7
Zvakaratidzwa 3:10
nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika.
8
Zvakaratidzwa 3:11
Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu.
9
Zvakaratidzwa 3:2
Muka usimbaradze zvasara uye zvava pedyo nokufa. Nokuti mabasa ako handina kuaona akakwana pamberi paMwari wangu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo