1
Zvakaratidzwa 8:1
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Hwayana payakakwatanura namo yechinomwe kwakanyararwa kudenga kwehafu yeawa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 8:7
Mutumwa wokutanga akaridza bhosvo rake kukabva kwaita chimvuramahwe nemoto zvakasanganiswa neropa zvainaya panyika. Chikamu chechitatu chenyika chakatsva, chikamu chechitatu chemiti chakatsva uye uswa unyoro hwakatsva.
3
Zvakaratidzwa 8:13
Ndopandakatarisa, onei gondo richichema nezwi guru paraibhururuka mudenga richiti, “Heyo nhamo, heyo nhamo heyo nhamo iyo kune vagere panyika pacharidzwa mamwe mabhosvo anofanira kuridzwa navamwe vatumwa vatatu.”
4
Zvakaratidzwa 8:8
Mutumwa wechipiri akaridza bhosvo rake ndokubva chimwe chinenge gomo guru raibvira moto, chakandwa mugungwa.
5
Zvakaratidzwa 8:10-11
Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga ichipenya sezhenje ikawira pachikamu chetatu chenzizi uye pazvisipiti zvemvura. Zita renyenyedzi iyoyo rainzi Gavakava. Chikamu chechitatu chemvura chakava gavakava kuvava. Vanhu vazhinji vakafa nemvura iyoyo nokuti yakaitwa gavakava kuvava.
6
Zvakaratidzwa 8:12
Mutumwa wechina akaridzawo bhosvo rake chikamu chechitatu chezuva chakarohwa nechikamu chechitatu chemwedzi nechikamu chechitatu chenyenyedzi zvokuti chikamu chechitatu chechiedza chazvo chakaitwa rima. Chikamu chechitatu chamasikati chakarega kuvheneka, ndizvozvo nechikamu chechitatu chousiku.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo