1
Muparidzi 12:13
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 12:14
Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.
3
Muparidzi 12:1-2
Rangarira Musiki wako pamazuva ouduku hwako, mazuva okutambudzika asati auya, namakore asati aswedera pauchati, “Handioni zvinofadza maari,” zuva nechiedza uye nomwedzi nenyeredzi zvisati zvadzima, uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura
4
Muparidzi 12:6-7
Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka; uye mbiya yegoridhe isati yaputswa; chirongo chisati chapwanyika pachitubu, uye vhiri risati raputswa patsime, uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva, nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
5
Muparidzi 12:8
Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Zvose hazvina maturo!”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo