1
Mapisarema 37:4
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 37:5
Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi
3
Mapisarema 37:7
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.
4
Mapisarema 37:3
Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
5
Mapisarema 37:23-24
Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake; kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
6
Mapisarema 37:6
achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.
7
Mapisarema 37:8
Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
8
Mapisarema 37:25
Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
9
Mapisarema 37:1
Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo