1
Mapisarema 46:10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
“Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 46:1-2
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa
3
Mapisarema 46:4-5
Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
4
Mapisarema 46:9
Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo