1
Ekisodho 6:6
Shona BIBLE
SUB
Naizvozvo muti kuvana VaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamitoro yaVaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ekisodho 6:7
Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamitoro yaVaIjipiti.
3
Ekisodho 6:8-9
Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.” Mosesi akataura saizvozvo kuvana VaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema.
4
Ekisodho 6:1
Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.”