Jobo 28
28
Munhu unoziʋa hake ɀizhinji panyika, asi njere caidzo ndedzaMŋari woga.
1Nokuti mugodi uri’po panobva sirveri,
Nɀimbo iri’po paʋanonatsa ndarama.
2Mhaŋgura inocerwa pasi,
Nendarira inonyauswa pabge.
3 Munhu unokunda rima,
Unotȿakisisa kuȿikira kumatiʋi oseose.
Mabge ari murima guru nomumumvuri worufu.
4Unocera mugodi kure napanogara ʋanhu;
Ʋanokaŋganikwa norutsoka rwaʋanopfuʋura;
Ʋanorembera kure naʋanhu, ʋacizeya uku nokuku.
5Kana iri nyika, ɀokudya ɀinobva mairi;
Pasi paɀo pakashandurwa ɀineŋge nomŋoto.
6Pamabge ayo ndipo panogara ɀibge ɀesafiro,
Anoʋupfu bgendarama.
7Nzira iyo haizikanwi negondo,
Ziso rorukodzi harina‐kuiʋona;
8Ɀikara, ɀinoɀikudza, haɀina‐kupfuʋura napo.
Shumba, inehasha, haina‐kupfuʋura napo.
9Iye unotema ɗombo romusarasara noruʋoko rwake;
Unoshandukura makomo nemidzi yawo.
10Unocera mugero pamatombo;
Ziso rake rinoʋona ɀinokosha.
11Unodziʋira nzizi dzemvura dzirege kuɗonha;
Cinhu cakaʋanzika unociɓuɗisa pacena.
12Asi ʋucenjeri ʋucawanikwepiko?
Kunzwisisa kunogarepi?
13Munhu haaziʋi muteŋgo wabgo;
Haʋuwanikwi panyika yaʋapenyu.
14Pakadzika panoti: Haʋuzi mandiri;
Neguŋgwa rinoti: Haʋuzi mandiri.
15Haʋuŋgateŋgwi nendarama,
Nyaŋgwe nesirveri haiŋgaidzirwi muteŋgo wabgo.
16Haʋuŋgaenzaniswi nendarama yeOfiri,
Kana neɀibge ɀeoniksi inokosha kana ɀesafiro.
17Ndarama negirazi haɀiŋgaenzani nabgo;
Ɀishoŋgo ɀendarama yakaiȿo‐naka haɀiŋgatsinhaniswi nabgo.
18Korari nekristari haɀiŋgatoŋgorebgi;
Ɀirokwaɀo muteŋgo woʋucenjeri unopfuʋura maparera.
19Topazi yeEtiopia haiŋgaenzani nabgo,
Haʋuŋgaenzaniswi nendarama yakaiȿo‐naka.
20Ɀino ʋucenjeri ʋunobvepiko?
Kunzwisisa kunogarepi?
21Ɀabgakaʋanzirwa meso aʋapenyu ʋose,
Nokudzitirirwa shiri dzokuɗeŋga.
22Kuparadza noRufu ɀinoti:
Takanzwa guhu rabgo panzeʋe dzeɗu.
23Mŋari unonzwisisa nzira yabgo,
Ndiye unoziʋa kwaʋunobva.
24Nokuti unotarira kumigumo yenyika,
Unoʋona ɀose pasi pokuɗeŋga pose;
25Paŋguʋa yaanotarira mhepo kurema kwayo;
Ɀirokwaɀo, unoyera mvura neciyero.
26Paŋguʋa yaakatemera mvura cireʋo,
Nemheni yomutinhiro nzira yayo.
27Paŋguʋa iyo wakaʋuʋona, akaʋuɗudzira;
Akaʋusimbisa, nokuʋunɀera.
28Akaʋudza munhu aciti:
Tarira, Kutya Ishe, ndibgo ʋucenjeri;
Kurega ɀakaipa ndiko kunzwisisa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 28: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018