Mapisarema 79
79
Mŋari ŋgaakaŋganwire ʋanhu ʋake, aʋarwire.
Pisarema raAsafi.
1Haiwa Mŋari, ʋahedeni ʋakapinda panhaka yenyu;
Ʋakaȿiɓisa tembere yenyu tȿene;
Jerusarema ʋakariita ɗoŋgo.
2Ɀitunha ɀaʋaranda ʋenyu ʋakaɀipa shiri dzokuɗeŋga ɀiʋe ɀokudya ɀadzo.
Ʋuye nyama yaʋatȿene ʋenyu ʋakaipa ɀikara ɀapasi.
3Ʋakateʋura ropa raʋo pose‐pose paJerusarema semvura;
Ʋakashaiwa unoʋaʋiga.
4Taʋa cinhu cinoshoʋorwa naʋatigere naʋo,
Cinhu cinoɀidzwa necinosekwa naʋakatipoteredza.
5Haiwa Jehova, mucaramba makatsamŋa nokusiŋgaperi kuȿikira riniko?
Goɗo renyu ricapfuta somŋoto here?
6Ƌururai hasha dzenyu pamsoro paʋahedeni ʋasiŋgakuziʋiyi,
Napamsoro poʋushe ʋuzhinji, ʋusiŋgaɗani zita renyu.
7Nokuti ʋakapedza Jakobo,
Ʋakaparadza ʋugaro bgake.
8Musaraŋgarira kutiroʋa pamsoro peɀakaipa ɀamadziɓaɓa eɗu;
Ŋgoni dzenyu nyoro ŋgadzikurumidze kusoŋgana nesu;
Nokuti taneta kwaɀo.
9Tiɓatsirei, Mŋari muponesi weɗu, nokuɗa kwomukurumbira wezita renyu;
Mutirwire, mudzime ɀiʋi ɀeɗu nokuɗa kwezita renyu.
10Ʋahedeni ʋacareʋereiko, ʋaciti: Mŋari waʋo uripiko?
Kutsibga kweropa raʋaranda ʋenyu, rakateʋurwa,
Ŋgakuzikanwe pakati paʋahedeni pamberi peɗu.
11Kugomera kwomusuŋgwa ŋgakuȿike kwamuri;
Noʋukuru bgesimba renyu ceŋgetai ʋana ʋorufu;
12Mutsiʋire ʋagere nesu kanomŋe pacifuʋa caʋo
Kushoʋora kwaʋakakushoʋorai nako, imi Ishe.
13Naiɀoɀo isu ʋanhu ʋenyu, namakwai amafuro enyu,
Ticakuʋoŋgai nokusiŋgaperi;
Ticaratidza kurumbidzwa kwenyu kumarudzi namarudzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 79: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018