Ruka 13:11-12
Ruka 13:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.”
Ruka 13:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masunungurwa pachirwere chenyu.”
Ruka 13:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka. Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.”
Ruka 13:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tarira, kwaiʋa’po mukadzi waiʋa nomŋeya woʋurwere makore anegumi namasere; wakaŋga akafunyana, asiŋgatoŋgogoni kusimuka. Jesu akati acimuʋona, akamuɗana, akati kwaari: Mai, wasunuŋgurwa paʋurwere bgako.